Mbeva kamhuka kadiki kanenge gonzo kanowanikwa Pasirose. Mbeva inosiyana negonzo pakuti inogara mumwena musango asi gonzo rinogara mumba. Kune mamwe matunhu mbeva inodyiwa nyama. Kune mhando dzembeva dzaka siyana dzinenge matedze, banya kana dapi, shana, madingo, mhana-mhana.
Kune zvinamato netsika zvinodzivisa kudya mbeva. Izvi zvinosanganisira vanoera mutupo wembeva VaRemba or VaMwenyi, vanotevedza Tsamba Tsaru yeBhaibheri, Mapositori, vanamati vechiMuslim nevamwewo.
Mbudyo (Escape hole in mouse run) kureva mbudo inobuda nembeva kana yasvika njodzi.
Mbeva kamhuka kadiki kanenge gonzo kanowanikwa Pasirose. Mbeva inosiyana negonzo pakuti inogara mumwena musango asi gonzo rinogara mumba. Kune mamwe matunhu mbeva inodyiwa nyama. Kune mhando dzembeva dzaka siyana dzinenge matedze, banya kana dapi, shana, madingo, mhana-mhana.
Mwana wembeva anonzi manditeya. Joro (Conical trap for mice) apa kureva munheva or riva. Jeta kana kucheta (Cut through with teeth - especially rodents) kana kucheza. Madingo imhando yembeva. Iyi mbeva ino gara dzaka wanda mumwena mumwe chete kusika kana makumi mashanu mumwena mumwe chete